Derived from Isaiah 53
Ndiani wakatenda zvose zvatakaparidzirwa?
Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani?
Nokuti wakamera pamberi pake sebukira nyoro, semudzi unobuda pavhu rakaoma;
Haane chimiro, humambo; kana tomuona, hakune kunaka kuti isu timude.
Zvirokwazvo, wakatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu;
Wakakuvadzwa nekuda kwokudarika kwedu, wakarwadziwa nekuda kwezvakaipa zvedu; Kurohwa kwake kwakatiunzira rugare, takaponeswa namavanga ake.
Takanga takarasika tose samakwai, takatsauka mumwe nemumwe nenzira yake; asi Jehovha wakaisa pamusoro pake kuipa kose kwedu tose.
Zvino hama dzangu chengetai kururama, muite zvakarurama panguva dzose
Ruponeso rwake rwotosvika, kururama kwake koda kuratidzwa
Album Ropa RaJesu | By Carol Chivengwa | 1996
Wakatakura kuipa Jesu, huya kwaari nhasi unatswe neropa rake.
Негізгі бет Carol Mujokoro - Wakatakura Matenda
Пікірлер: 117