Lyrics for Baba VaShaya - Celscius
1st VERSE
Baba vakarwara
Zvakatitadzisa kufara
Asi vasati vashaya
Vakandiudza zvinorwadza
Takanga tiri vaviri muchipatara
Mari dzinodiwa dzese tanga tabhadhara
Pastor vanyengetera zvikaramba
Zvinodiwa zvese taedza asi zvaramba
Vakati mwana wangu wandinoda
Hupenyu hwandikona
Vese vandinoda
Sara uchivaona
Hweee aya mashoko akandirwadza pamoyo
Hweee ndakashaya kana nerimwe remuromo
CHORUS
Mama baba vashaya
Hupenyu hwachinja zvinhu hazvichazombofa zvafana
2ND VERSE
Kunyangwe zviome sei
Hatikukanganwei
Ishe wangu tinyaradzeiiii
Tisimbiseii
Zvimwe ndezvimwe
Totenda mazorora
Hurwere semhondi wanga waponda
Zvairwadza kunyangwe vanoona hiiiiiiii
Baba vangu vandinoda
Hupenyu hwavakona
Vese vavanoda
ndichasara ndichavaona
Baba vangu vandinoda
Hupenyu hwavakona
Vese vavanoda
ndichasara ndichavaona
CHORUS
Mama baba vashaya
Hupenyu hwachinja zvinhu hazvichazombofa zvafana
Негізгі бет Celscius - Baba Vashaya (Lyrics)
Пікірлер: 14